'Vlogging' inzira itsva yekutefenyura nekuposita maonero, nemanzwira pamuviri painternet. Vazvinamavlogg vanodaidzwa nekuti vloggers vanotsikisa maonero avo kana manzwira pamuviri (experiences) avo mumhando yevideo. Mavideo aya anobva apositwa panhefenyuro dzakasiyana-siyana dzinosanganisira mienzaniso mishoma ingarehwa inenge youtube, nefacebook. Nyanzvi dzezvidzidzo zvekutaurirana (communication) dzinorumbidza mavloggs dzichiti mavloggs anokurira tsika yemablogs nekuda kwezvikonzero zvinotevera.
Chekutanga video inotapa meso nezveve dzemutereri zvinoita kuti mutereri anzwisise zvarehwa (meaning) nenzira inodarika kunge dai mutereri anga achishandisa chete nzeve kana maziso. Zvakare kunzwisisa kwemutereri kunopamhidzirwa nekuda kwekuti anoona zvakare mashandisirwo ari kuitwa nhengo dzemuviri nemutauri paanenge achitaura zvinodaidzwa pachirumbi kuti body language. Zviriko zvimwe zvikonzero zvingarehwa asi chinosara ndechekuti mavloggs ndiyo nzira itsva yekublogger!
Zvichakadaro, zvinodadisa zvikuru kuziva kuti maZimba haasi kusarira kumashure kwetsika iyi. Pachokwadi variko maZimba ari kubatisisa tsika iyi nemaoko maviri. Havasi chete kungotepfenyura mumavloggs, asi vari kutaura nerurimi rwaamai. Mukana wakaita saizvozvi wekusimudzira rurimi rwaamai unoda kutsigirwa navanhu vese vanokwanisa. Saka pablogg rangu ndinokoka vanamuzvinavlogg, vaverengi vemavlogg kuti vaunze ruzivo rwavanarwo pamusoro pemavloggs ari murudzi rwechishona. Toda kuvamba directory remashona vloggs, rinogona kutungamirira muverengi kuti ngawanepi vlogg rine huiswa (content) hwaanofarira. Nzira yaungabatsira nayo kutaura zita revlogg yechishona yaunoziva pazasi apa. Ini ndichashanyira vlogg, ndoteerera zvinorehwa ipapo ndorinyora mudirectory.
Ndinovimba pakanaka apa. Maita nekuverenga chishona
Comments
Post a Comment